Mark 9:26 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ukaɗanidzira, ukamubvundisa ɀikuru, ukaɓuɗa; akafanana nomunhu wakafa, nokuɗaro ʋazhinji ʋakati: Wafa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mweya wakadanidzira, ukamubvundisa zvikuru uye ukabuda. Mukomana akaita sokunge chitunha zvokuti vazhinji vakati, “Afa.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mweya ndokuzhamba, uchimupfurupfutisa ndokubuda maari; sarei mukomana oita seafa, zvokuti voruzhinji vakati afa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ukadanidzira, ukamubvundisa zvikuru, ukabuda; akafanana nomunhu akafa, nokudaro vazhinji vakati, “Afa.”
Shona 2009?
Zvino ukadanidzira, ukamubvundisa zvikuru ukabuda maari; akaita somunhu wakafa, nokudaro vazhinji vakati: Wafa.
Shona SUB 2002 Bible
Ukadanidzira, ukamubvundisa zvikuru, ukabuda; akafanana nomunhu akafa, nokudaro vazhinji vakati, “Afa.”