Mark 9:28 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino wakati apinda mumba, ʋadzidzi ʋake ʋakamubvunza ʋari ʋoga ʋaciti: Isu takaŋga tisiŋgagoni neiko kuuɓuɗisa?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mushure mokunge Jesu apinda mumba, vadzidzi vake vakamubvunza vari voga vachiti, “Seiko isu takakonewa kuudzinga?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kuzoti Jesu apinda mumba, vadzidzi vake vakamubvunza vari pachavo vachiti, “Ko isu tatadza nei kuudzinga?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino akati apinda mumba, vadzidzi vake vakamubvunza vari voga vachiti, “Isu takanga tisingagoni neiko kuubudisa?”
Shona 2009?
Zvino wakati apinda mumba, vadzidzi vake vakamubvunza pachivande vachiti: Nemhaka yei isu takanga tisingagoni kuubudisa?
Shona SUB 2002 Bible
Zvino akati apinda mumba, vadzidzi vake vakamubvunza vari voga vachiti, “Isu takanga tisingagoni neiko kuubudisa?”