Mark 9:31 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti wakadzidzisa ʋadzidzi ʋake, akati kwaʋari: Mŋanakomana womunhu ucaiswa mumaʋoko aʋanhu, ʋacamuʋuraya; kana aʋurawa, ucamuka ɀe mazuʋa matatu apfuʋura.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
nokuti akanga achidzidzisa vadzidzi vake. Akati kwavari, “Mwanakomana woMunhu achazopandukirwa achiiswa mumaoko avanhu. Vachamuuraya, uye shure kwamazuva matatu achamuka.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
nokuti aidzidzisa vadzidzi vake achiti kwavari, “Mwanakomana womunhu achaiswa mumaoko avanhu vachizomuuraya. Kana auraiwa achamukazve mushure memazuva matatu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti akadzidzisa vadzidzi vake, akati kwavari, “Mwanakomana womunhu achaiswa mumaoko avanhu, vachamuuraya; kana aurawa, achamukazve mazuva matatu apfuura.”
Shona 2009?
Nokuti wakadzidzisa vadzidzi vake, akati kwavari: Mwanakomana womunhu uchakumikidzwa mumavoko avanhu, vachamuvuraya; kana avurawa, uchamuka nezuva retatu.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti akadzidzisa vadzidzi vake, akati kwavari, “Mwanakomana womunhu achaiswa mumaoko avanhu, vachamuuraya; kana aurayiwa, achamukazve mazuva matatu apfuura.”