Mark 9:38 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Johane akati kwaari: Mudzidzisi, taʋona munhu aciɓuɗisa mŋeya yakaipa muzita renyu, tikamudziʋisa, nokuti haana‐kutiteʋera.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Johani akati, “Mudzidzisi, taona munhu achidzinga madhimoni muzita renyu uye tikamudzivisa, nokuti anga asiri mumwe wedu.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Johani akati kwaari, “Mudzidzisi takaona munhu achidzinga mweya yakaipa muzita renyu tikamurambidza nokuti akanga asiri wenzira imwechete nesu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Johani akati kwaari, “Mudzidzisi, taona munhu achibudisa mweya yakaipa muzita renyu, tikamudzivisa, nokuti haana kutitevera.”
Shona 2009?
Zvino Johwani akamupindura, achiti: Mudzidzisi, tavona mumwe achibudisa mweya yakaipa muzita renyu, asingatiteveri tikamudzivisa, nokuti haana kutitevera.
Shona SUB 2002 Bible
Johani akati kwaari, “Mudzidzisi, taona munhu achibudisa mweya yakaipa muzita renyu, tikamudzivisa, nokuti haana kutitevera.”