Mark 9:45 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana rutsoka rwako rucikugumbusa, urugure; ɀirinani kwauri kuti upinde muʋupenyu ucikamhina, pakukandirwa muGehena, unetsoka mbiri. [
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye kana tsoka yako ichiita kuti utadze, igure. Zviri nani kwauri kupinda muupenyu uri chirema pano kupinda mugehena namakumbo maviri,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kana tsoka yako ichikonzera kuti utadze, idimure, nokuti zviri nani kuti upinde muupenyu wakaremara pano kukandwa mugehena uine tsoka mbiri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kana rutsoka rwako ruchikugumbusa, urugure; zviri nani kwauri kuti upinde muupenyu uchikamhina, pakukandirwa muGehena, unetsoka mbiri. [
Shona 2009?
Kana rutsoko rwako ruchikugumbusa, rugure; zviri nani kwauri kuti upinde muupenyu uchikamhina, pane kuti une tsoka mbiri ukandirwe mugehena mumoto usingazofi wakadzimwa.
Shona SUB 2002 Bible
Kana rutsoka rwako ruchikugumbusa, urugure; zviri nani kwauri kuti upinde muupenyu uchikamhina, pakukandirwa muGehena, unetsoka mbiri. [