Mark 9:47 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana ziso rako ricikugumbusa, urirashe; ɀirinani kwauri kuti upinde muʋushe bgokuɗeŋga uneziso rimŋe, pakukandirwa muGehena, unameso maʋiri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye kana ziso rako richiita kuti utadze, ribvise. Zviri nani kwauri kuti upinde muumambo hwaMwari neziso rimwe chete pano kuti uve namaziso maviri uye ugokandwa kugehena,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kana ziso rako richikurasisa, risvukunure, zviri nani kuti upinde muumambo hwaMwari une ziso rimwechete pano kukandwa mugomba romoto, uina maziso maviri,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kana ziso rako richikugumbusa, urirase; zviri nani kwauri kuti upinde muushe hwedenga une ziso rimwe, pakukandirwa muGehena, una meso maviri.
Shona 2009?
Zvino kana ziso rako richikugumbusa, ridzure; zvirinani kwauri kupinda muushe hwaMwari uneziso rimwe, pakuti une maziso maviri, ukandirwe mugehena remoto.
Shona SUB 2002 Bible
Kana ziso rako richikugumbusa, urirase; zviri nani kwauri kuti upinde muushe hwedenga une ziso rimwe, pakukandirwa muGehena, una meso maviri.