Mark 9:5 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Petro akapindura, akati kunaJesu: Rabi, ɀakanaka ɀatiri pano; ŋgatiʋake matumba matatu, rimŋe renyu, rimŋe raMosesi, rimŋe raEria.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Petro akati kuna Jesu, “Rabhi, zvakanaka kuti isu tigare pano. Ngativakei matumba matatu, rimwe renyu, rimwe raMozisi uye rimwe raEria.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino Pita akabva ataurawo kuna Jesu achiti, “I — i, mudzidzisi, zvakanaka sei kuti tive pano! Ngatichivakai matumba matatu, rimwe renyu, rimwe raMosesi, rimwe raEriya.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Petirosi akati kuna Jesu, “Rabhi, zvakanaka zvatiri pano; ngativake matumba matatu, rimwe renyu, rimwe raMosesi, rimwe raEria.”
Shona 2009?
Petro akapindura akati kunaJesu: Mudzidzisi, zvakanaka kuti tive pano; ngativake matumba matatu, rimwe renyu, uye rimwe raMozisi, nerimwe raEria.
Shona SUB 2002 Bible
Petirosi akati kuna Jesu, “Rabhi, zvakanaka zvatiri pano; ngativake matumba matatu, rimwe renyu, rimwe raMosesi, rimwe raEriya.”