Mark 9:50 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Munyu wakanaka; asi kana munyu usicaʋaʋi, muŋgauruŋga neiko? Iʋai nomunyu mukati menyu, mugare norugare pakati penyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Munyu wakanaka, asi kana warasa kuvava kwawo, mungauita kuti urungezve here? Ivai nomunyu mukati menyu, uye muve norugare pakati penyu.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Munyu wakanaka; asi kana washapa unozovaviswa nei? Ivai vanhu vakarungwa vanowadzana.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Munyu wakanaka; asi kana munyu usichavavi, mungaurunga neiko? Ivai nomunyu mukati menyu, mugare norugare pakati penyu.”
Shona 2009?
Munyu wakanaka; asi kana munyu usingacharungi, mungaurunga neiko? Ivai nomunyu mamuri, muve norugare pakati penyu.
Shona SUB 2002 Bible
“Munyu wakanaka; asi kana munyu usichavavi, mungaurunga neiko? Ivai nomunyu mukati menyu, mugare norugare pakati penyu.”