Matthew 1:17 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo marudzi ose kubva kunaAbrahama kuȿikira kunaDavidi aiʋa marudzi anegumi namanna; kubva kunaDavidi kuȿikira pakutapxa Babironi marudzi anegumi namanna; kubva pakutapxa Babironi kuȿikira kunaJesu Kristu marudzi anegumi namanna.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokudaro kwaiva nezvizvarwa gumi nezvina pamwe chete kubvira pana Abhurahama kusvika pana Dhavhidhi, zvizvarwa gumi nezvina kubva pana Dhavhidhi kusvika pakutapwa kwavo vachiendwa navo kuBhabhironi, zvizvarwa gumi nezvina kubva pakudzoka kwavo kuutapwa kusvika panguva yaKristu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nezvo zvizvarwa zvose kubvira pana Abhurahamu kusvikira pana Dhavhidhi pane zvizvarwa gumi nezvina. Kubvirawo pana Dhavhidhi kusvikira pautapwa hokuBhabhironi pane zvizvarwa gumi nezvina. Kubvirawo pahutapwa huya hokuBhabhironi kusvika kuna iye Kristu pane zvizvarwa gumi nezvina.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo zvizvarwa zvose kubva kuna Abhurahamu kusvikira kuna Dhavhidhi zvaiva zvizvarwa gumi nezvina; kubva kuna Dhavhidhi kusvikira pakutapwa Bhabhironi zvizvarwa zvine gumi nezvina; kubva pakutapwa Bhabhironi kusvikira kuna Jesu Kristu zvizvarwa zvine gumi nezvina.
Shona 2009?
Naizvozvo mazera ose kubva kunaAbhurahamu kusvikira kuna Dhavhidhi mazera anegumi namana, kubva kuna Dhavhidhi kusvikira pakutapirwa kuBhabhironi, mazera anegumi namana, kubva pakutapirwa kuBhabhironi kusvikira kuna Jesu Kristu, mazera anegumi namana.
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo zvizvarwa zvose kubva kuna Abhurahamu kusvikira kuna Dhavhidhi zvaiva zvizvarwa gumi nezvina; kubva kuna Dhavhidhi kusvikira pakutapwa Bhabhironi zvizvarwa zvine gumi nezvina; kubva pakutapwa Bhabhironi kusvikira kuna Jesu Kristu zvizvarwa zvine gumi nezvina.