Matthew 1:18 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kuɓerekwa kwaJesu Kristu kwaiʋa kuɗai: Maria, mai ʋake, wakati anyeŋgwa naJosefa, ʋasati ʋasoŋgana, wakaʋonekwa aʋa nemimba noMŋeya Mutȿene.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uku ndiko kuberekwa kwakaitwa Jesu Kristu: Maria, mai vake vainge vatsidzirwa kuroorwa naJosefa, asi vasati vagara vose, achiri mhandara, akaonekwa ava napamuviri nokuda kwaMweya Mutsvene.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Uku ndiko kuberekwa kwakaitwa Jesu Kristu. Amai vake Maria vakanga vachangoroorwa naJosefi. Vasati vagara vose Maria akaonekwa ava napamuviri nesimba raMweya Mutsvene.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kuberekwa kwaJesu Kristu kwaiva kudai: Maria, mai vake, akati akaroorwa naJosefa, vasati vasangana, akaonekwa ava napamuviri naMweya Mutsvene.
Shona 2009?
Zvino kuberekwa kwaJesu Kristu kwaiva kwakadai; apo mai vake Maria, wakati atsidzirana kuwanana naJosefa, vasati vasangana, wakavonekwa ava nemimba noMweya Mutsvene.
Shona SUB 2002 Bible
Kuberekwa kwaJesu Kristu kwaiva kudai: Maria, mai vake, akati aroorwa naJosefa, vasati vasangana, akaonekwa ava napamuviri naMweya Mutsvene.