Matthew 1:20 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino wakati acaraŋgarira iɀoɀo, tarira, mutumŋa waShe akaɀiratidza kwaari pakurota, akati: Josefa, mŋanakomana waDavidi, usatya kutora Maria, mukadzi wako; nokuti cakagamucidzwa mukati make ndecoMŋeya Mutȿene.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi achiri kufunga nezvenyaya iyi, mutumwa waIshe akauya kwaari mukurota akasvikoti, “Josefa, mwana waDhavhidhi, usatya kutora Maria somukadzi wako nokuti pamuviri paava napo akapabata nokuda kwesimba raMweya Mutsvene.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Paakanga achiri kufunga izvi, hoyo mutumwa waTenzi akazviratidza kwaari mukurota achiti, “Josefi mwanakomana waDhavhidhi usatye zvako kutora Maria mukadzi wako nokuti pamuviri paanapo akapaita nesimba raMweya Mutsvene.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino akati acharangarira izvozvo, tarira, mutumwa waIshe akazviratidza kwaari pakurota, akati, “Josefa, mwanakomana waDhavhidhi, usatya kutora Maria, mukadzi wako; nokuti chakaumbwa mukati make ndechaMweya Mutsvene.
Shona 2009?
Asi zvino wakati acharangarira zvinhu izvozvi, tarira, mutumwa waShe akavonekwa kwaari pakurota achiti: Josefa mwanakomana waDhavhidhi, usatya kuzvitorera Maria mukadzi wako, nokuti icho chakaberekwa maari ndecheMweya Mutsvene.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino akati acharangarira izvozvo, tarira mutumwa waIshe akazviratidza kwaari pakurota akati, “Josefa, mwanakomana waDhavhidhi, usatya kutora Maria, mukadzi wako; nokuti chakaumbwa mukati make ndechaMweya Mutsvene.