Matthew 1:21 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Iye ucaɀara mŋanakomana, ugomutumidza zita rinonzi Jesu; nokuti ndiye ucaponesa ʋanhu ʋake paɀiʋi ɀaʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Achava nomwana mukomana wauchazotumidza zita rokuti Jesu nokuti ndiye achaponesa vanhu vake kubva muzvivi zvavo.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Achapona Mwanakomana waunofanira kutumidza zita rokuti Jesu nokuti achaponesa vanhu vake kuzvitadzo zvavo.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Iye achazvara mwanakomana, agomutumidza zita rinonzi Jesu; nokuti ndiye achaponesa vanhu vake pazvivi zvavo.”
Shona 2009?
Iye uchabereka Mwanakomana, uye uchatumidza zita rake \add kuti\add* Jesu, nokuti uchaponesa vanhu vake pazvivi zvavo.
Shona SUB 2002 Bible
Iye achazvara mwanakomana, agomutumidza zita rinonzi Jesu; nokuti ndiye achaponesa vanhu vake pazvivi zvavo.”