Matthew 1:23 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Tarira, mhandara icaʋa nemimba, icaɀara mŋanakomana, Ʋacamutumidza zita rinonzi Emanueri; ndokuti kana ɀicishandurwa: Mŋari unesu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Mhandara ichava napamuviri, igozvara mwana mukomana, uye vachamutumidza zita rokuti Emanueri, zvichireva kuti, ‘Mwari anesu.’ ”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Tarirai, mhandara ichava napamuviri ichizobereka mwana mukomana. Zita rake richazonzi Imanueri” (zvinoreva kuti Mwari Anesu.)
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Tarira, mhandara ichava nepamuviri, ichazvara mwanakomana, vachamutumidza zita rinonzi Emanueri;” ndokuti, “Kana zvichishandurwa, Mwari anesu.”
Shona 2009?
Tarira, mhandara ichava nemimba, ichazvara Mwanakomana, vachatumidza zita rake Emanueri, ndokuti kana zvichishandurwa, Mwari unesu.
Shona SUB 2002 Bible
“Tarira, mhandara ichava nepamuviri, ichazvara mwanakomana, vachamutumidza zita rinonzi Emanueri;” ndokuti, “Kana zvichishandurwa, Mwari anesu.”