Matthew 10:1 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino wakaɗanira kwaari ʋadzidzi ʋake ʋanegumi naʋaʋiri, akaʋapa simba pamsoro pemŋeya yetȿina, kuti ʋaiɓuɗise, nokuporesa kurwara kwose noʋukosha bgose.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akadana vadzidzi vake gumi navaviri akavapa simba rokudzinga mweya yakaipa nokuporesa marudzi ose ezvirwere namarudzi ose ehosha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jesu akadaidza kwaari vadzidzi vake gumi navaviri akavapa simba pamusoro pemweya yetsvina kuti vaidzinge nesimba rokurapa zvirwere zvose namatenda ose.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino akadanira kwaari vadzidzi vake vane gumi navaviri, akavapa simba pamusoro pemweya yetsvina kuti vaibudise, nokuporesa kurwara kwose noukosha hwose.
Shona 2009?
Zvino wakadanira kwaari vadzidzi vake vanegumi navaviri, akavapa simba pamusoro pemweya yetsvina, kuti vaibudise nokuporesa vukosha hwose novurwere hwose.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino akadanira kwaari vadzidzi vake vane gumi navaviri, akavapa simba pamusoro pemweya yetsvina kuti vaibudise, nokuporesa kurwara kwose noukosha hwose.