Matthew 10:11 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Muguta kana musha pose pamunopinda, bvunzai kuti ndiani uri’mo wakafanira; mugare’po kuȿikira mucibva.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Muguta ripi neripi nomusha upi noupi wamunenge mapinda, tsvakai munhu akakodzera uye mugogara mumba make kusvikira mabvamo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Guta riri rose ramunopinda kana musha uri wose wamunopinda bvunzai kuti ndiani anokodzera mauri. Garai naye kusvikira mabvamo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Muguta kana mumusha mamunopinda, bvunzai kuti ndiani arimo akafanira; mugarepo kusvikira muchibva.
Shona 2009?
Muguta ripi neripi kana mumusha upi noupi wamunopinda, bvunzai kuti ndiani urimo wakafanira, mugarepo, kusvikira muchibva.
Shona SUB 2002 Bible
“Muguta kana mumusha mamunopinda, bvunzai kuti ndiani arimo akafanira; mugarepo kusvikira muchibva.