Matthew 10:23 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi kana ʋacikutambudzai muguta rimŋe, tizirai kunerimŋe; nokuti ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Hamuŋgapedzi maguta aʋaIsraeri, Mŋanakomana womunhu asati aȿika.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kana mukatambudzwa mune rimwe guta, tizirai kune rimwe. Ndinokuudzai chokwadi kuti hamungapoteredzi maguta ose omuIsraeri Mwanakomana woMunhu asati adzoka.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kana vakakutambudzai mune rimwe guta, tizirai kune rimwe. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri hamumbopedza kuenda mumaguta ose eIsiraeri, Mwanakomana womunhu asati auya.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi kana vachikutambudzai muguta rimwe, tizirai kune rimwe; nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri, ‘Hamungapedzi maguta avaIsiraeri, Mwanakomana womunhu asati asvika.’
Shona 2009?
Asi kana vachikutambudzai muguta iri, tizirai kune rimwe; nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Hamungapedzi maguta avaIsraeri, kusvikira Mwanakomana womunhu asvika.
Shona SUB 2002 Bible
Asi kana vachikutambudzai muguta rimwe, tizirai kune rimwe; nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri, ‘Hamungapedzi maguta aVaIsiraeri, Mwanakomana womunhu asati asvika.’