Matthew 10:25 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀakariŋganira mudzidzi kuti aʋe somudzidzisi wake, nomuranda aʋe sashe wake. Ɀaʋakaidza mŋene weimba Beerzeburi, ʋacaɗaro ɀikuru sei ʋeimba yake!
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvakakwana kuti mudzidzi ave somudzidzisi wake nomurandawo sashe wake. Zvino kana mukuru weimba akanzi ndiBheerizebhubhi, vachadaro zvikuru sei kune veimba yake!
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvinenge zvatoita zvazvo, kana mudzidzi akava somudzidzisi wake, kana kuti murandawo akaita satenzi wake. Kana vakatumidza saimba kuti Bheerizabhuri ko vanganyomba zvakadii avo vemhuri yake?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvakaringanira mudzidzi kuti ave somudzidzisi wake, nomuranda ave sashe wake. Zvavakaidza mwene weimba Bheerizebhuri, vachadaro zvikuru sei veimba yake!
Shona 2009?
Zvakaringana kuti mudzidzi ave somudzidzisi wake, nomuranda ave saShe wake. Zvavakaidza Ishe weimba \add kuti\add* Bheerizebhuri, \add vachadaro \add*zvikuru sei veimba yake?
Shona SUB 2002 Bible
Zvakaringanira mudzidzi kuti ave somudzidzisi wake, nomuranda ave sashe wake. Zvavakaidza mwene weimba Bheerizebhuri, vachadaro zvikuru sei veimba yake!