Matthew 10:35 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti ndakaʋuya kupesanisa munhu naɓaɓa ʋake, nomŋanasikana namai ʋake, nomukadzi womŋana naʋamŋene ʋake;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndakauya kuti: “ ‘mwanakomana apesane nababa vake, mwanasikana apesane namai vake, muroora apesane navamwene vake,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
nokuti ndakauya kuzorwisanisa baba nomwanakomana vake, mwanasikana achapesanawo naamai vake, muroorawo achapesana navamwene vake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti ndakauya kupesanisa munhu nababa vake, nomwanasikana namai vake, nomukadzi womwana navamwene vake;
Shona 2009?
Nokuti ndakavuya kuzopesanisa munhu nababa vake, nomwanasikana namai vake, nomurovora navamwene vake;
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti ndakauya kupesanisa munhu nababa vake, nomwanasikana namai vake, nomukadzi womwana navamwene vake;