Matthew 10:41 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Unogamucira muprofita muzita romuprofita, ucapiwa muɓairo womuprofita; nounogamucira wakarurama muzita rowakarurama, ucapiwa muɓairo wowakarurama.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ani naani anogamuchira muprofita nokuti muprofita achagamuchira mubayiro womuprofita, uye ani naani anogamuchira munhu akarurama nokuda kwokuti akarurama, achagamuchira mubayiro womunhu akarurama.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Anogamuchira muporofita pamusana pokuti muporofita anowanawo mubayiro womuporofita. Uyowo anogamuchira munhu akarurama pamusana pokuti munhu wakarurama achagamuchirawo mubayiro womunhu wakarurama.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Anogamuchira muporofita muzita romuporofita achapiwa mubayiro womuporofita; noanogamuchira akarurama muzita roakarurama, achapiwa mubayiro woakarurama.
Shona 2009?
Unogamuchira muporofita muzita romuporofita uchapiwa mubairo womuporofita; nounogamuchira munhu wakarurama muzita romunhu wakarurama uchapiwa mubairo womunhu wakarurama.
Shona SUB 2002 Bible
Anogamuchira muporofita muzita romuporofita achapiwa mubairo womuporofita; noanogamuchira akarurama muzita roakarurama, achapiwa mubairo woakarurama.