Matthew 10:42 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Aninani unopa muzita romudzidzi mumŋe waʋaɗuku aʋa mukombe ɓedzi wemvura inotonhora anwe, ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri, haaŋgatoŋgorashikirwi nomuɓairo wake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye kana munhu akapa mukombe wemvura inotonhorera kuno mumwe wavaduku ava nokuda kwokuti iye mudzidzi wangu, ndinokuudzai chokwadi kuti haazorasikirwi nomubayiro wake.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Munhuwo anopa kune mumwe wavaduku ava kunyange mukombe wemvura inotonhora nokuda kokuti mudzidzi, zvechokwadi chaizvo ndinoti kwamuri haamborega kuwana mubayiro wake.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ani naani unopa muzita romudzidzi mumwe wavaduku ava mukombe bedzi wemvura inotonhora anwe, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, haangatongorasikirwi nomubayiro wake.”
Shona 2009?
Uye aninani unopa mumwe wavaduku ava mukombe chete \add wemvura\add* inotonhora kuti amwe muzita romudzidzi, zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Haangatongorashikirwi nomubairo wake.
Shona SUB 2002 Bible
Ani naani unopa muzita romudzidzi mumwe wavaduku ava mukombe bedzi wemvura inotonhora anwe, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, haangatongorasikirwi nomubairo wake.”