Matthew 11:12 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kubva pamazuʋa aJohane Mubapatidzi kuȿikira ɀino, ʋushe bgokuɗeŋga bgunopambga, ʋapambi ʋanobgutora nesimba.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kubva pamazuva aJohani Mubhabhatidzi kusvikira zvino, umambo hwokudenga hwanga huchipfuurira mberi nechisimba, uye varume vechisimba vanohutora.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kubvira pamazuva aJohani Muombeki kusvikira iye zvino, umambo hwedenga hwakapinda mukurwiswa uye vanhu vechisimba vari kuhupamba.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kubva pamazuva aJohani Mubhabhatidzi kusvikira zvino, ushe hwedenga hunopambwa, vapambi vanohutora nesimba.
Shona 2009?
Kubva pamazuva aJohwani Mubhabhatidzi kusvikira zvino, ushe hwokudenga hwunopambwa, nevapambi vanohwutora nesimba.
Shona SUB 2002 Bible
Kubva pamazuva aJohani Mubhabhatidzi kusvikira zvino, ushe hwedenga hunopambwa, vapambi vanohutora nesimba.