Matthew 11:19 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mŋanakomana womunhu wakaʋuya, acidya, acinwa, ɀino ʋoti: Tarirai munhu unokara, nomunwi, neshamŋari yaʋateresi naʋatadzi! Kucenjera kwakaruramiswa namaɓasa ako.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mwanakomana woMunhu akanga achidya nokunwa, zvino vanoti, ‘Houno wamakaro nomunwi, shamwari yavateresi navatadzi.’ Asi uchenjeri hunozviratidza kuti hwakarurama namabasa ahwo.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mwanakomana womunhu akauya achidya uye achinwa.’ Vanhu vakati, ‘Tarisai muone munhu uyu ane nhafu uye chidhakwa neshamwari yavateresi navatadzi.’ Asi ungwaru hunopembedzwa namabasa aho.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Mwanakomana womunhu akauya, achidya, achinwa, zvino voti, ‘Tarirai munhu anokara, nomunwi, shamwari yavateresi navatadzi!’ Kuchenjera kwakaruramiswa namabasa ako.”
Shona 2009?
Mwanakomana womunhu wakavuya achidya, achimwa, zvino vanoti: Tarirai munhu unokara mumwi wewaini, shamwari yavateresi navatadzi. Asi njere dzinoruramiswa navana vake.
Shona SUB 2002 Bible
“Mwanakomana womunhu akauya, achidya, achinwa, zvino voti, ‘Tarirai munhu anokara, nomunwi, shamwari yavateresi navatadzi!’ Kuchenjera kwakaruramiswa namabasa ako.”