Matthew 11:21 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Unenhamo iwe, Korazini! Unenhamo iwe, Betsaida! Nokuti maɓasa akaitwa mukati menyu, ɗai aiitwa muTire neSidoni, ʋaŋgaɗai ʋatendeʋuka kare ʋana masaga neɗota.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Une nhamo iwe Korazini! Une nhamo iwe Bhetisaidha! Kudai zvishamiso zvakaitwa mauri zvainge zvakaitwa muTire neSidhoni vangadai vakatendeuka kare vakapfeka masaga uye vakazvizora dota.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akati, “Zvichakuwana zvako iwe Korezeini; zvichakuwana iwe Bhetisaidha nokuti dai kuri kuti zvishamiso zvakaitwa mamuri zvakaitwa muTire nomuSidhoni, vangadai vakapinduka kare kare vakatopfeka masaga nokuzvizora madota.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Une nhamo iwe, Korazini! Une nhamo iwe, Bhetisaidha! Nokuti mabasa akaitwa mukati menyu, dai aiitwa muTire neSidhoni, vangadai vatendeuka kare vakaisa masaga nedota.
Shona 2009?
Une nhamo iwe Korazini! une nhamo iwe, Bhetisaidha! Nokuti mabasa makuru akaitwa mukati menyu, dai aiitwa muTire neSidhoni, vangadai vakatendevuka kare vanamasaga nemadota.
Shona SUB 2002 Bible
“Une nhamo iwe, Korazini! Une nhamo iwe, Bhetisaidha! Nokuti mabasa akaitwa mukati menyu, dai aiitwa muTaya neSidhoni, vangadai vatendeuka kare vakaisa masaga nedota.