Matthew 11:23 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Iwe Kapernaume, ucasimudzirwa kuɗeŋga here? Ucaɓurukira kuHadesi, nokuti ɗai iwo maɓasa esimba akaitwa mukati mako, akaitwa muSodoma, riŋgaɗai rici’po nanhasi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye iwe Kapenaume, uchasimudzirwa kudenga here? Kwete, asi uchaiswa pakadzikadzika. Dai zvishamiso zvakaitwa mauri zvainge zvakaitwa muSodhomu, ringadai richiripo nanhasi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ko iwe Kapenaumu uchasimudzirwa kudenga here? Uchatodzikiswa kunzvimbo yavafi. Dai zvishamiso zvakaitwa mauri zvakaitwa muguta reSodhomu ringadai richimire nanhasi uno.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Iwe Kapenaume, uchasimudzirwa kudenga here? Uchaburukira kuHadhesi, nokuti dai iwo mabasa esimba akaitwa mukati mako, akaitwa muSodhoma, ringadai richipo nanhasi.
Shona 2009?
Newevo Kapenaume, wakasimudzirwa kudenga, uchaburukira kuHadhesi; nokuti dai iwo mabasa esimba akaitwa mauri akaitwa muSodhoma, ringadai richipo kusvikira zuva ranhasi.
Shona SUB 2002 Bible
Iwe Kapenaume, uchasimudzirwa kudenga here? Uchaburukira kuHadhesi, nokuti dai iwo mabasa esimba akaitwa mukati mako, akaitwa muSodhoma, ringadai richipo nanhasi.