Matthew 11:25 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Neŋguʋa iyo Jesu akapindura, akati: Ndinokutendai, Ƃaɓa, Ishe wokuɗeŋga napasi, kuti makaʋanzira ʋakacenjera naʋakaŋgwara ɀinhu iɀoɀi, mukaɀizarurira ʋacece.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Panguva iyoyo Jesu akati, “Ndinokurumbidzai Baba, Ishe wedenga nenyika, nokuti makavanza zvinhu izvi kuna vakachenjera navakadzidza, uye mukazvizarurira kuvana vaduku.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ipapo Jesu akati, “Ndinokutendai Baba, Tenzi wedenga napasi kuti makavanza zvinhu izvi kuna vakachenjera navanonzwisisa mukazvizivisa kuvana vaduku.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nenguva iyo Jesu akapindura, akati, “Ndinokutendai, Baba, Ishe wekudenga napasi, kuti makavanzira vakachenjera navakangwara zvinhu izvozvi, mukazvizivisa vacheche.
Shona 2009?
Nenguva iyo Jesu akapindura akati: Ndinokutendai, Baba, Ishe wokudenga napanyika, kuti makavanzira zvinhu izvi vakachenjera navakangwara, mukazvizarurira vacheche.
Shona SUB 2002 Bible
Nenguva iyo Jesu akapindura, akati, “Ndinokutendai, Baba, Ishe wekudenga napasi, kuti makavanzira vakachenjera navakangwara zvinhu izvozvi, mukazvizivisa vacheche.