Matthew 11:27 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀinhu ɀose ndakaɀipiwa naƂaɓa ʋaŋgu, hakuna‐unoziʋa Mŋanakomana, asi Ƃaɓa; hakuna‐unoziʋa Ƃaɓa, asi Mŋanakomana, naiye Mŋanakomana waaneŋge aciɗa kumuzarurira iye.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Zvinhu zvose zvakapiwa kwandiri naBaba vangu. Hakuna anoziva Mwanakomana kunze kwaBaba, uye hakuna anoziva Baba kunze kwoMwanakomana naavo chete Mwanakomana vaanenge asarudza kuti avazarurire.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvinhu zvose zvakaiswa mumaoko angu naBaba vangu; uye hakuna anoziva Mwanakomana kusiya Baba uyewo hakuna anoziva Baba kusiya Mwanakomana nouyo anenge asarudzwa zvake naMwanakomana kuti amuzivise kwaari.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Zvinhu zvose ndakazvipiwa naBaba vangu, hakuna anoziva Mwanakomana, asi Baba; hakuna anoziva Baba, asi Mwanakomana, naiye waanenge Mwanakomana achida kumuzivisa iye.
Shona 2009?
Zvinhu zvose zvakakumikidzwa kwandiri naBaBa vangu. Hakuna unoziva Mwanakomana asi Baba; hakuna unoziva Baba asi Mwanakomana, naiye Mwanakomana waanenge achida kuzarurira.
Shona SUB 2002 Bible
“Zvinhu zvose ndakazvipiwa naBaba vangu, hakuna anoziva Mwanakomana, asi Baba; hakuna anoziva Baba, asi Mwanakomana, naiye waanenge Mwanakomana achida kumuzivisa iye.