Matthew 11:29 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Muise joko raŋgu pamsoro penyu, mudzidze kwandiri; nokuti ndiri munyoro, ndinomŋoyo unoɀininipisa, kuti muwane zororo pamŋeya yenyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Takurai joko rangu, mudzidze kwandiri, nokuti ndiri munyoro uye ndine mwoyo unozvininipisa, uye muchawana zororo remweya yenyu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Torai joko rangu mudzidze kwandiri nokuti ndine mwoyo munyoro uye ndakazvirereka muchazviwanira mwoyo yenyu zororo
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Takurai joko rangu, mudzidze kwandiri; nokuti ndiri munyoro, ndinomwoyo unozvininipisa, kuti muwane zororo pamweya yenyu.
Shona 2009?
Torai joko rangu \add muise\add* pamusoro penyu, mudzidze kwandiri nokuti ndiri munyoro, ndinomoyo unozvininipisa kuti muwane zororo pamweya yenyu.
Shona SUB 2002 Bible
Takurai joko rangu, mudzidze kwandiri; nokuti ndiri munyoro, ndinomwoyo unozvininipisa, kuti muwane zororo pamweya yenyu.