Matthew 11:7 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Aʋa ʋakati ʋacienda, Jesu akataŋga kuʋudza ʋanhu ʋazhinji pamsoro paJohane, akati: Makaŋga maɓuɗa kundoʋoneiko kurenje? Rutsaŋga runozunuŋguswa nemhepo here?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vadzidzi vaJohani pavakanga voenda Jesu akatanga kuudza vanhu vazhinji nezvaJohani achiti, “Makaenda kurenje kundoonei? Rutsanga rwaizungunuswa nemhepo here?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nhumwa dziya padzakanga dzavakuenda, Jesu akatanga kutaura kuruzhinji rwavanhu nezvaJohani, achiti, “Makaenda kurenje kundoonei? Rutsanga runozunguzwa nemhepo here?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ava vakati vachienda, Jesu akatanga kuudza vanhu vazhinji pamusoro paJohani, akati, “Makanga mabuda kundooneiko kurenje? Rutsanga runozununguswa nemhepo here?
Shona 2009?
Ava vakati vachienda, Jesu akatanga kuvudza chaunga pamusoro paJohwani \add akati\add*: Makanga mabuda kurenje kunovoneiko? Rutsanga runozungunuswa nemhepo here?
Shona SUB 2002 Bible
Ava vakati vachienda, Jesu akatanga kuudza vanhu vazhinji pamusoro paJohani, akati, “Makanga mabuda kundooneiko kurenje? Rutsanga runozununguswa nemhepo here?