Matthew 11:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ko makaŋga maɓuɗa kundoʋoneiko? Munhu wakapfeka ŋguʋo nyoro here? Tarirai, ʋanopfeka ŋguʋo nyoro ʋari mudzimba dzamadzimambo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kana zvisizvo, makabuda kundoonei? Maindoona murume akanga akapfeka nguo dzakanaka here? Kwete, avo vanopfeka nguo dzakanaka vari mumizinda yamadzimambo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ko makaenderei? Kundoona munhu akapfeka hanzu dzakapfavirira here? Munoziva kuti vanopfeka hanzu dzakapfavirira vari mudzimba dzamadzimambo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ko makanga mabuda kundooneiko? Munhu akapfeka nguo nyoro here? Tarirai, vanopfeka nguo nyoro vari mudzimba dzamadzimambo.
Shona 2009?
Zvino makanga mabuda kundovoneiko? Munhu wakapfeka nguvo dzakapfava here? Tarirai, vanopfeka zvakapfava vari mudzimba dzamadzimambo.
Shona SUB 2002 Bible
Ko makanga mabuda kundooneiko? Munhu akapfeka nguo nyoro here? Tarirai, vanopfeka nguo nyoro vari mudzimba dzamadzimambo.