Matthew 12:20 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Rutsaŋga rwakapxanyika haaŋgaruvuni, Nomŋenje unopxititika haangaudzimi, Kuȿikira acituma kutoŋga kuti kukunde.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Rutsanga rwakapwanyika haangarutyori, nomwenje unopfuta zvishoma haangaudzimi, kusvikira atungamirira kutonga kwakarurama mukukunda.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Rutsanga runenge rwatyoka haarudimburi, rambi rine tambo ine kamoto kanoti roi roi haaridzimi, kusvikira ruenzaniso rwakunda
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Rutsanga rwakapwanyika haangaruvhuni, Nomwenje unopwititika haangaudzimi, Kusvikira achiita kutonga kuti kukunde.
Shona 2009?
Rutsanga rwakapwanyika haangaruvhuni, nomwenje unopfungaira haangaudzimi. Kusvikira achituma kutonga mukukunda.
Shona SUB 2002 Bible
Rutsanga rwakapwanyika haangaruvhuni, Nomwenje unopwititika haangaudzimi, Kusvikira achiita kutonga kuti kukunde.