Matthew 12:22 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋakaisa kwaari munhu waiʋa nomŋeya wakaipa, raiʋa ɓofu nembeʋeʋe; akamuporesa, naiɀoɀo mbeʋeʋe yakataura nokuʋona ʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo vakauya kwaari nomunhu akanga akabatwa nedhimoni ari bofu uye ari mbeveve, uye Jesu akamuporesa, zvokuti akagona zvose kutaura nokuona.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kwakauiswa kwaari bofu raive mbeveve rine mweya wakaipa akariporesa zvokuti mbeveve iya yakataura ikakwanisa kuona.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vakaisa kwaari munhu aiva nomweya wakaipa, raiva bofu nembeveve; akamuporesa, naizvozvo mbeveve yakataura nokuonawo.
Shona 2009?
Zvino kwakavuyiswa kwaari mumwe akagarwa nomweya wakaipa, bofu nembeveve; akamuporesa, naizvozvo bofu mbeveve rakataura nokuvona.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vakaisa kwaari munhu aiva nomweya wakaipa, raiva bofu nembeveve; akamuporesa, naizvozvo mbeveve yakataura nokuonawo.