Matthew 12:25 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Jesu aciziʋa kufuŋga kwaʋo, akati kwaʋari: Ʋushe bgumŋe nobgumŋe bgunoɀipesanisa, bgunoparadzwa; neguta kana imba inoɀipesanisa, haiŋgamiri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jesu akaziva pfungwa dzavo akati kwavari, “Umambo hwose hunozvipesanisa huchaparara, uye guta ripi neripi kana imba ipi neipi inozvipesanisa haingamiri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jesu pamusana pokuziva pfungwa dzavo akati kwavari, “Umambo hupi nohupi hunozvirwisa hunoparara. Hakunawo guta kana imba inozvirwisa ingagone kumira.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Jesu achiziva kufunga kwavo, akati kwavari, “Ushe humwe nohumwe hunozvipesanisa, hunoparadzwa; neguta kana imba inozvipesanisa, haingamiri.
Shona 2009?
Zvino Jesu akaziva fungwa dzavo, akati kwavari: Ushe hwumwe nohwumwe hwunozvipesanisa hwunoparadzwa, neguta kana imba inozvipesanisa haingamiri.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Jesu achiziva kufunga kwavo, akati kwavari, “Ushe humwe nohumwe hunozvipesanisa, hunoparadzwa; neguta kana imba inozvipesanisa, haingamiri.