Matthew 12:29 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Munhu uŋgapinda seiko paimba younesimba, akatora nhumbi dzake, kana asati ambosuŋga iye unesimba? Ipapo ucaparadza imba yake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Uyezve, munhu angapinda sei mumba momunhu ane simba uye agoenda nezvinhu zvake asina kutanga asunga munhu uyu ane simba? Ipapo anogona kuzopamba imba yake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kana kuti zvingaitike sei kutoti munhu angapinde mumba merume rine simba achipamba zvinhu zvaro, asi kuti atanga arisunga, ndokuzopamba zvemba yaro.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Munhu angapinda seiko paimba yaanesimba, akatora nhumbi dzake, kana asati ambosunga uya anesimba? Ipapo achaparadza imba yake.
Shona 2009?
Munhu ungapinda seiko mumba momunhu unesimba akapamba nhumbi dzake kana asati ambosunga uyo unesimba? Ipapo uchapamba imba yake.
Shona SUB 2002 Bible
“Munhu angapinda seiko paimba yaanesimba, akatora nhumbi dzake, kana asati ambosunga uya ane simba? Ipapo achaparadza imba yake.