Matthew 12:31 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo ndinoti kwamuri: Ʋanhu ʋacakaŋganwirwa ɀiʋi ɀose nokumhura, asi kumhura Mŋeya, haʋaŋgakukaŋganwirwi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye naizvozvo ndinokuudzai kuti, vanhu vacharegererwa zvivi zvose nokumhura kwose asi kumhura Mweya hakuzoregererwi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Naizvozvo ndinokutaurirai kuti, chitadzo chipi nechipi zvacho nokushonha Mwari kupi nokupi zvako kunoregererwa vanhu, asi kushonha Mweya hakuregererwi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Naizvozvo ndinoti kwamuri, vanhu vacharegererwa zvivi zvose nokushonha, asi kushonha Mweya, havangaregererwi.
Shona 2009?
Naizvozvo ndinoti kwamuri: Vanhu vachakangamwirwa zvivi zvose nokumhura Mwari, asi kumhura Mweya mutsvene hakungakangamwirwi munhu.
Shona SUB 2002 Bible
“Naizvozvo ndinoti kwamuri, vanhu vacharegererwa zvivi zvose nokushonha, asi kushonha Mweya, havangaregererwi.