Matthew 12:39 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akapindura, akati kwaʋari: Rudzi rwakaipa rwoʋupombge runotȿaka ciratidzo, asi haruŋgapiwi ciratidzo, asi ciratidzo comuprofita Jona.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akavapindura akati, “Rudzi rwakaipa nerwoupombwe runokumbira chiratidzo! Asi hapana chiratidzo chichapiwa kwarwuri kunze chete kwechiratidzo chomuprofita Jona.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi iye akavapindura achiti, “Chizvarwa chakaipa uye chenzenza chinotsvaka chiratidzo, asi hapana chiratidzo chachichapiwa kusiya kwaJona sechiratidzo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akapindura, akati kwavari, “Rudzi rwakaipa rwoupombwe runotsvaka chiratidzo, asi harungapiwi chiratidzo, asi chiratidzo chomuporofita Jona.
Shona 2009?
Asi wakapindura akati kwavari: Rudzi rwakaipa runofeva runotsvaka chiratidzo asi hakuna chiratidzo chingapiwa kwavari. Asi chiratidzo chomuporofita Jona.
Shona SUB 2002 Bible
Akapindura, akati kwavari, “Rudzi rwakaipa rwoupombwe runotsvaka chiratidzo, asi harungapiwi chiratidzo, asi chiratidzo chomuporofita Jona.