Matthew 12:4 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
kuti wakapinda mumba maMŋari, akadya ɀiŋgwa ɀokuratidza, ɀakaŋga ɀisina‐kutenderwa kudyiwa naye, naʋaiʋa naye, asi naʋaprista ɓedzi?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akapinda muimba yaMwari iye nevamwe vake vakadya chingwa chitsvene chavaisabvumirwa kudya, asi chaingodyiwa navaprista chete.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
kuti akapinda mumba maMwari akadya chingwa chakanga chakasumwa kuna Mwari chaakanga asingabvumirwi, pamutemo, uye navakanga vainaye kuti vadye kusiya vapristi bedzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
kuti akapinda mumba maMwari, akadya zvingwa zvokuratidza, zvakanga zvisina kutenderwa kudyiwa naye, navaiva naye, asi navapristi bedzi?
Shona 2009?
kuti wakapinda sei mumba maMwari, akadya zvingwa zvokuratidza, zvisina kutenderwa kudyiwa naye kana navaiva naye asi navaprista chete?
Shona SUB 2002 Bible
kuti akapinda mumba maMwari, akadya zvingwa zvokuratidza, zvakanga zvisina kutenderwa kudyiwa naye, navaiva naye, asi navapristi bedzi?