Matthew 12:42 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mambokadzi weZasi ucasimuka pakutoŋgwa norudzi urwu, ucarupa mhoȿa, nokuti wakabva pamagumisiro enyika kuzonzwa kucenjera kwaSoromoni; tarirai, mukuru kunaSoromoni uri pano.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mambokadzi weZasi achasimuka pakutongwa pamwe chete norudzi urwu uye acharupa mhosva, nokuti akabva kumagumo enyika kuti azoteerera kuuchenjeri hwaSoromoni, uye zvino mukuru kuna Soromoni ari pano.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pazuva rokutongwa Mambokadzi wokumaodzanyemba achasimuka achipa mhosva chizvarwa ichi achichibata nemhosva nokuti iye akabva kwakaperera nyika kuzonzwa ungwaru hwaSoromoni asi pano pano mukuru kupinda Soromoni.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mambokadzi weZasi achasimuka pakutongwa norudzi urwu, acharupa mhosva, nokuti akabva pamagumisiro enyika kuzonzwa kuchenjera kwaSoromoni; asi tarirai, mukuru kuna Soromoni ari pano.
Shona 2009?
Mambokadzi wekuchamhembe uchasimuka mukutongwa norudzi urwu, ucharupa mhosva; nokuti wakabva pamagumisiro enyika kuzonzwa vuchenjeri hwaSoromoni. Zvino tarirai, mukuru kunaSoromoni pano.
Shona SUB 2002 Bible
Mambokadzi weZasi achasimuka pakutongwa norudzi urwu, acharupa mhosva, nokuti akabva pamagumisiro enyika kuzonzwa kuchenjera kwaSoromoni; asi tarirai, mukuru kuna Soromoni ari pano.