Matthew 12:44 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino unoti: Ndicadzokera kumba kwaŋgu kwandakaɓuɗa; asi uciȿika, unoiwana isineciro, yakatȿairwa, yanatswa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo unoti, ‘Ndichadzokera kumba kwandakabva.’ Kana wasvika, unosvikowana imba iya isina ageremo, asi yakanyatsotsvairwa zvakachena nokunyatsorongedzwa zvakanaka.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino unozoti, regai ndidzokere kumba kwangu kwandakabva. Kana wasvika unosvikoiwana isina chirimo yakatsvairwa yakanyatsorongedzwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Zvino unoti, ‘Ndichadzokera kumba kwangu kwandakabuda;’ asi uchisvika, unoiwana isina chiro, yakatsvairwa, yanatswa.
Shona 2009?
Zvino unoti: Ndichadzokera kumba kwangu kwandakabuda; asi uchisvika unoiwana isine-chiro, yakatsvairwa yakarongedzwa.
Shona SUB 2002 Bible
“Zvino unoti, ‘Ndichadzokera kumba kwangu kwandakabuda;’ asi uchisvika, unoiwana isina chiro, yakatsvairwa, yanatswa.