Matthew 13:11 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akapindura, akati kwaʋari: Nokuti imi makapiwa kuziʋa ɀakaʋanzika ɀoʋushe bgokuɗeŋga, asi aʋa haʋana‐kupiwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akapindura achiti, “Ruzivo rwezvakavanzika zvoumambo hwokudenga rwakapiwa kwamuri imi, asi kwete kwavari.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Iye akavapindura achiti, “Imi makapiwa ruzivo rwezvakavandika zvoumambo hwokudenga. Asi ivo havana kuzvipiwa
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akapindura, akati kwavari, “Nokuti imi makapiwa kuziva zvakavanzika zvoushe hwedenga, asi ava havana kupiwa.
Shona 2009?
Akapindura akati kwavari: Nokuti kwamuri kwakapiwa kuziva zvakavanzika zvoushe hwokudenga asi ava havana kupiwa.
Shona SUB 2002 Bible
Akapindura, akati kwavari, “Nokuti imi makapiwa kuziva zvakavanzika zvoushe hwedenga, asi ava havana kupiwa.