Matthew 13:15 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti mŋoyo yaʋanhu aʋa yaʋa mikukutu, Nzeʋe dzaʋo dzakadziʋira; Nameso aʋo ʋakaatsinzina. Kuti ɀimŋe ʋarege kuʋona nameso, Nokunzwa nenzeʋe, Nokunzwisisa nomŋoyo, Ʋakadzoka, Ndiʋaporese.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti mwoyo yavanhu ava mikukutu, havatombonzwi nenzeve dzavo, uye vakatsinzina meso avo. Zvichida vangaona nameso avo, vakanzwa nenzeve dzavo, vakanzwisisa nemwoyo yavo, vakapinduka, uye ndigovaporesa.’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nokuti mwoyo yavanhu ava yakasindimara, vakatyorera zvimiti munzeve, vakatsinzinya maziso nokuti vangadaro vakaona nameso avo; vakanzwa nenzeve dzavo uye vangadaro vakanzwisisa mumwoyo mavo vakazopindukira kwandiri ndikavaponesa.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti mwoyo yavanhu ava yava mikukutu, Nzeve dzavo hadzinzwi zvakanaka; Nameso avo vakaatsinzina. Kuti zvimwe varege kuona nameso, Nokunzwa nenzeve, Nokunzwisisa nomwoyo, Kuti varege kupinduka Ini ndichivaporesa.’
Shona 2009?
Nokuti moyo yavanhu ava yava mikukutu, nenzeve \add dzavo\add* havanyatsonzwa; nameso avo vakaatsinzina. Kuti varege kutongovona nameso, nokunzwa nenzeve, uye vanzwisise nemoyo, uye vatendevuke ndivaporese.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti mwoyo yavanhu ava yava mikukutu, Nzeve dzavo hadzinzwi zvakanaka; Nameso avo vakaatsinzina. Kuti zvimwe varege kuona nameso, Nokunzwa nenzeve, Nokunzwisisa nomwoyo, Kuti varege kupinduka Ini ndichivaporesa.’