Matthew 13:17 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri, kuti ʋaprofita naʋakarurama ʋazhinji ʋakaŋga ʋaciɗa kuʋona ɀinhu ɀamunoʋona, asi haʋanakuɀiʋona; nokunzwa ɀamunonzwa, asi haʋana‐kuɀinzwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti, ndinokuudzai chokwadi kuti vaprofita vazhinji navanhu vakarurama vaida kuona zvinhu zvamuri kuona asi havana kuzviona, nokunzwa zvamuri kunzwa asi havana kuzvinzwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvechokwadi chokwadi ndinoti kwamuri vaporofita vazhinji navanhu vakarurama vaisuwira kuona zvamuri kuona asi havana kuzviona uye kunzwa zvamuri kunzwa asi havana kuzvinzwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kuti vaporofita navakarurama vazhinji vakanga vachida kuona zvinhu zvamunoona, asi havana kuzviona; nokunzwa zvamunonzwa, asi havana kuzvinzwa.
Shona 2009?
Nokuti zvirokwazvo ndinoti, kwamuri: Vaporofita navakarurama vazhinji vakanga vachishuva kuvona zvamunovona, asi havana kuzvivona nokunzwa zvamunonzwa asi havana kunzwa.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kuti vaporofita navakarurama vazhinji vakanga vachida kuona zvinhu zvamunoona, asi havana kuzviona; nokunzwa zvamunonzwa, asi havana kuzvinzwa.