Matthew 13:19 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana munhu akanzwa shoko roʋushe, asiŋgarinzwisisi, wakaipa unoȿika, ndokubvuta cakakushwa mumŋoyo make. Ndiye wakakushwa panzira.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kana munhu akanzwa shoko roumambo, akasarinzwisisa, akaipa anouya osvikobvuta zviya zvanga zvadyarwa mumwoyo make. Iyi ndiyo mbeu yakakushwa munzira.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kana munhu akanzwa mashoko oumambo uhu asinganzwisisi, muipi anouya obvuta zvinenge zvadyarwa mumwoyo make. Ndivo vakadyarwa munzira.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kana munhu akanzwa shoko roushe, asingarinzwisisi, muipi anosvika, ndokubvuta chakakushwa mumwoyo make. Ndiye akakushwa munzira.
Shona 2009?
Mumwe nomumwe unonzwa shoko roushe, akasarinzwisisa, wakaipa unosvika ndokubvuta chakakushwa mumoyo make. Uyu ndiye wakakushwa panzira.
Shona SUB 2002 Bible
Kana munhu akanzwa shoko roushe, asingarinzwisisi, muipi anosvika, ndokubvuta chakakushwa mumwoyo make. Ndiye akakushwa munzira.