Matthew 13:21 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi haanomudzi mukati make, ndiye weciŋguʋa ciɗuku; kana kutambudzika nokuʋeŋgwa ɀiciʋuya nokuɗa kweshoko, pakarepo unogumburwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi nokuti haana mudzi, anongorarama naro kwechinguva chipfupi. Kana nhamo kana kutambudzwa zvauya nokuda kweshoko, anokurumidza kugumburwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
asi haana mudzi maari anotirira kwechinguva. Kana nhamo namatambudziko zvamuka pamusana peshoko, anobva atsauka.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi haana mudzi mukati make, ndiye wechinguva chiduku; kana kutambudzika nokuvengwa zvichiuya nokuda kweshoko, pakarepo anogumburwa.
Shona 2009?
Asi haana mudzi maari, asi ndiye wechinguvana, kana kushushwa nokutambudzika zvichivuya nokuda kweshoko, pakarepo unogumburwa.
Shona SUB 2002 Bible
Asi haana mudzi mukati make, ndiye wechinguva chiduku; kana kutambudzika nokuvengwa zvichiuya nokuda kweshoko, pakarepo anogumburwa.