Matthew 13:22 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Wakakushwa pakati peminzwa, ndiye unonzwa shoko; ɀino kufuŋganya kwenyika nokunyeŋgera kwefuma ɀinovuŋga shoko, rikashaiwa ɀiɓereko.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uyo akagamuchira mbeu yakawira muminzwa, munhu anonzwa shoko asi kufunganya kwenyika nokunyengera kwepfuma zvinorivhunga robva rashaya zvibereko.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Yakadyarwa muminzwa ndouyo anonzwa izwi asi kuzvidya mwoyo nezvapanyika nokutorwa mwoyo noupfumi, zvinovhunga izwi, rokundikana kubereka muchero.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akakushwa pakati peminzwa, ndiye anonzwa shoko; zvino kufunganya kwenyika nokunyengera kwepfuma zvinounga shoko, rikashaiwa zvibereko.
Shona 2009?
Wakakushwa pakati pemhinzwavo ndiye unonzwa shoko zvino kufunganya kwenyika nokunyengera kwefuma zvinovhunga shoko rikashaiwa zvibereko.
Shona SUB 2002 Bible
Akakushwa pakati peminzwa, ndiye anonzwa shoko; zvino kufunganya kwenyika nokunyengera kwepfuma zvinounga shoko, rikashaiwa zvibereko.