Matthew 13:24 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Wakaisa pamberi paʋo mumŋe mufananidzo, aciti: Ʋushe bgokuɗeŋga bgunofananidzwa nomunhu wakakusha mbeu yakanaka mumunda make.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jesu akavaudza mumwe mufananidzo achiti, “Umambo hwokudenga hunofananidzwa nomunhu akakusha mbeu yakanaka mumunda make.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akavataurira mumwe muenzaniso achiti, “Umambo hwedenga hungafananidzwe nomunhu akadyara mbeu yakanaka mumunda make.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akaisa pamberi pavo mumwe mufananidzo, achiti, “Ushe hwedenga hunofanidzwa nomunhu akakusha mbeu yakanaka mumunda make.
Shona 2009?
Wakaisa pamberi pavo mumwe mufananidzo, achiti: Ushe hwokudenga hwunofananidzwa nomunhu wakakusha mbeu yakanaka mumunda make.
Shona SUB 2002 Bible
Akaisa pamberi pavo mumwe mufananidzo, achiti, “Ushe hwedenga hunofananidzwa nomunhu akakusha mbeu yakanaka mumunda make.