Matthew 13:27 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋaranda ʋomŋene weimba ʋakaʋuya, ʋakati kwaari: Ishe, hamuna‐kukusha mbeu yakanaka mumunda menyu here? Munda wawanepiko mashawi?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Varanda vomuridzi womunda vakauya kwaari vakasvikoti, ‘Ishe, hamuna kukusha mbeu yakanaka mumunda menyu here? Ko, zvino sawi rakazobvepi?’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vashandi vepamba ipapo vakauya vakati kwaari, “Changamire, hamuna kudyara mbeu yakanaka here mumunda menyu? Ko sawi rakazobva kupi?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino varanda vomuridzi weimba vakauya, vakati kwaari, ‘Ishe, hamuna kukusha mbeu yakanaka mumunda menyu here? Munda wawanepiko masawi?’
Shona 2009?
Zvino varanda vomwene weimba vakavuya vakati kwaari: Ishe, hamuna kukusha mbeu yakanaka mumunda menyu here? Munda wawanepiko mashawi?
Shona SUB 2002 Bible
Zvino varanda vomuridzi weimba vakauya, vakati kwaari, ‘Ishe, hamuna kukusha mbeu yakanaka mumunda menyu here? Munda wawanepiko masawi?’