Matthew 13:28 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akati kwaʋari: Munhu unondiʋeŋga waita iɀoɀo. Ʋaranda ʋakati kwaari: Ko munoɗa kuti tindoaʋuŋganidza here?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Iye akavapindura achiti, ‘Muvengi ndiye akaita izvi.’ ” “Varanda vakamubvunza vakati, ‘Munoda kuti tiende kunoridzura here?’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Iye akati kwavari, “Muvengi ndiye akaita izvi.” Vashandi vakati kwaari, “Mungade here kuti tindoridzura?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akati kwavari, ‘Munhu anondivenga aita izvozvo.’ Varanda vakati kwaari, ‘Ko munoda kuti tindoaunganidza here?’
Shona 2009?
Akati kwavari: Muvengi waita izvozvo. Varanda vakati kwaari: Ko munoda kuti tindoavunganidza here?
Shona SUB 2002 Bible
Akati kwavari, ‘Munhu anondivenga aita izvozvo.’ Varanda vakati kwaari, ‘Ko munoda kuti tindoaunganidza here?’