Matthew 13:31 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Wakaisa pamberi paʋo mumŋe mufananidzo, aciti: Ʋushe bgokuɗeŋga bgakafanana netsaŋga yembeu yemastarda, yakatorwa nomunhu, akaidɀara mumunda make;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akavaudzazve mumwe mufananidzo achiti, “Umambo hwokudenga hwakafanana nembeu yemasitadhi iyo yakatorwa nomunhu akaidyara mumunda make.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akavataurira mumwe muenzaniso achiti, “Umambo hwedenga hwakaita setsanga yemasitadhi yakatorwa nomunhu akaidyara mumunda make.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akaisa pamberi pavo mumwe mufananidzo, achiti, “Ushe hwedenga hwakafanana netsanga yembeu yemasitadhi, yakatorwa nomunhu, akaidyara mumunda make;
Shona 2009?
Wakaisa pamberi pavo mumwe mufananidzo achiti: Ushe hwokudenga hwakafanana netsanga yembeu yemasitadha yakatorwa nomunhu akaidzvara mumunda make.
Shona SUB 2002 Bible
Akaisa pamberi pavo mumwe mufananidzo, achiti, “Ushe hwedenga hwakafanana netsanga yembeu yemasitadhi, yakatorwa nomunhu, akaidyara mumunda make;