Matthew 13:32 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
iyo iɗuku kumbeu dzose, asi kana yakura, ihuru pamiriʋo yose, inoita muti wakakura ukaɗaro kuti shiri dzokuɗeŋga dzinoʋuya, dzicigara pamataʋi awo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kunyange zvazvo iri iyo mbeu dukusa pambeu dzenyu, asi kana painokura ndiyo huru kwazvo pambeu dzose dzomubindu uye inova muti zvokuti shiri dzedenga dzinouya dzichimhara pamapazi awo.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndiyo tsanga dukuduku pane dzimwe tsanga dzose. Asi kana ichinge yakura inoita gwenzi guru kupinda mamwe ose, ichizova muti, zvokuti shiri dzedenga dzinouya dzichizoita matendere adzo mumapazi awo.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
iyo iduku kumbeu dzose, asi kana yakura, ihuru pamiriwo yose, inoita muti wakakura ukadaro kuti shiri dzedenga dzinouya, dzichigara mumatavi awo.”
Shona 2009?
Iyo iduku kwazvo kumbeu dzose, asi kana yakura ihuru pamirivo yose, inoita muti wokuti shiri dzokudenga dzinovuya dzichigara pamatavi awo.
Shona SUB 2002 Bible
iyo iduku kumbeu dzose, asi kana yakura, ihuru pamiriwo yose, inoita muti wakakura ukadaro kuti shiri dzedenga dzinouya, dzichigara mumatavi awo.”