Matthew 13:33 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akaʋaʋudza mumŋe mufananidzo, akati: Ʋushe bgokuɗeŋga bgakafanana nembiriso yakatorwa nomukadzi, akaiisa muɀiyero ɀitatu ɀoʋupfu, kuȿikira bgose bgaʋiriswa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akavaudzazve mumwe mufananidzo achiti, “Umambo hwokudenga hwakafanana nembiriso, iyo inotorwa nomunhukadzi oisanganisa nefurawa yakawanda, igoita kuti furawa iyi ifute.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jesu akavataurira mumwe muenzaniso achiti, “Umambo hwedenga hwakaita sembiriso yakatorwa nomumwe mudzimai akaisanganisa nezviereso zvitatu zvoupfu hwekoroni kusvikira mukanyiwa wose wafuta.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akavaudza mumwe mufananidzo, akati, “Ushe hwedenga hwakafanana nembiriso yakatorwa nomukadzi, akaiisa muzviero zvitatu zvoupfu, kusvikira hwose hwaviriswa.”
Shona 2009?
Akataura mumwe mufananidzo kwavari \add akati\add*: Ushe hwokudenga hwakafanana nembiriso, yakatorwa nomukadzi, akaiviga muzviyero zvitatu zvovupfu kusvikira hwose hwaviriswa.
Shona SUB 2002 Bible
Akavaudza mumwe mufananidzo, akati, “Ushe hwedenga hwakafanana nembiriso yakatorwa nomukadzi, akaiisa muzviero zvitatu zvoupfu, kusvikira hwose hwaviriswa.”